{"product_id":"amina-shona-edition-paperback","title":"Amina: Shona Edition - Paperback","description":"\u003cdiv\u003e\u003cp style=\"text-align: right;\"\u003e\u003ca href=\"https:\/\/reportcopyrightinfringement.com\/\" target=\"_blank\" rel=\"nofollow\"\u003e\u003cb\u003eReport copyright infringement\u003c\/b\u003e\u003c\/a\u003e\u003c\/p\u003e\u003c\/div\u003e\u003cp\u003eby \u003cb\u003eMohammed Umar\u003c\/b\u003e (Author)\u003c\/p\u003e\u003cp\u003e\u003c\/p\u003e\u003cp\u003eMabhuku erurimi rweChiShona akaturikirwa kubva mururimi rweChirungu akanyorwa nevanyori vemuno muAfrica mashoma. Kuuya kweiri bhuku chiitiko chechinhu chinofadza mukupananan mashoko ekurairana muzvinyorwa nevamwe vana vemuAfrica.\u003c\/p\u003e\u003cp\u003eRungano urwu rwunotsanangura gamba gadzi neshamwari dzaro mukuunza shanduko yakarerekera kumararamiro evanhukadzi mune zvose zvakavakomberedza munyika yeNigeria. Izvi hazviwanzo wanikwa kunyanyanyanya mubandiko rezvematongerwo enyika, mitemo kufambidzana kwayo nezvinosungirwa kuve kodzero dzevanhukadzi vechiMuslim, kumbunyikidzwa kwavanoitwa nemirau yetsika nemagariro anotenderanwa nevanhu vari mumatunhu akasiyana siyana uyewo chitendero chine mitemo yachowo inosungirwa kutevedzwa, kushaiswa mikana kuvakadzi kuti vave vanokwikwidzanawo nevarume mune zvebudiriro muhupfumi, kusimudzirwa kwevanhurume kuve vari pamusoro pevanhukadzi mune zvose, nekuda kwaizvozvi vanhukadzi vakashanyirwa nekutarisirwa pasi kuburikidza nechidanho chemunhurume mukuroorana semaonero aiita vanhukadzi. Munyori akashandisa hunduri zvine unyanzvi murungano rwekuzvisunungura kwevanhukadzi muNigeria varimo mudziva rine ngwena. Harusi ngori rungano rwekuzvivaraidza narwo, asi rungano rwunodaidzira kumuverengi kuti ave anotoredzerana nemucherechedzo wemudzimai anoyemurika uye mabasa ake akatsetseka nekutendeka inova iyo mhare inowanikwa zita rokuti Amina.\u003c\/p\u003e\u003cp\u003eRungano rwaAmina rwuri maringe nenguva ino uye kufambidzana nenguva yatiri kurarama zvakare rungano urwu rwakanyotsetsenurwa zvakajeka mukupa nhoroondo inogutsa, yemhare ine mukurumbira mukurarama kwayo makore mazana mashanu akapfuura aive verudzi rweHausa ari mutongi wenyika aizezesa zvikuru, kuve murwi wehondo anotyisa zvakare ari Mambokadzi Amina weZazzau. Rungano urwu rwunosiya muverengi aine tariro yekushanduka kwezvinhu kuve zvakarurama muNigeria.\u003c\/p\u003e\n            \u003cdiv\u003e\n\u003cstrong\u003eNumber of Pages:\u003c\/strong\u003e 218\u003c\/div\u003e\n            \u003cdiv\u003e\n\u003cstrong\u003eDimensions:\u003c\/strong\u003e 0.5 x 8.27 x 5.83 IN\u003c\/div\u003e\n            \u003cdiv\u003e\n\u003cstrong\u003ePublication Date:\u003c\/strong\u003e October 19, 2020\u003c\/div\u003e\n            ","brand":"Books by splitShops","offers":[{"title":"Default Title","offer_id":52610350350618,"sku":"9781912450480","price":27.36,"currency_code":"USD","in_stock":true}],"thumbnail_url":"\/\/cdn.shopify.com\/s\/files\/1\/1005\/5604\/6618\/files\/WIagklEND89781912450480.webp?v=1785364777","url":"https:\/\/j-s-five-and-dime.myshopify.com\/products\/amina-shona-edition-paperback","provider":"J \u0026 S Five and Dime","version":"1.0","type":"link"}